2
Hondo yeMhashu
Ridzai hwamanda muZioni;
ridzai hwamanda yokuyambira vanhu muri pagomo rangu dzvene.
Vanhu vose vagere munyika ngavadedere
nokuti zuva raJehovha riri kuuya.
Rava pedyo,
zuva rerima nokusuwa,
zuva ramakore nokusviba.
Samambakwedza anoonekwa pamusoro pamakomo,
hondo huru ine simba guru iri kuuya;
zvakadai hazvina kutombovapo munguva yakare,
uye hazvichazoonekwizve munguva ichatevera.
Moto unoparadza pamberi padzo,
marimi omoto ari kupisa shure kwadzo.
Pamberi padzo, nyika yakafanana nebindu reEdheni,
shure kwadzo kwangova gwenga risina basa,
hapana chinopunyuka.
Pakuonekwa kwadzo dzakaita samabhiza;
dzinomhanya samabhiza ehondo.
Nokutinhira sokwengoro
dzinokwakuka pamusoro pamakomo
dzichidya mashanga semoto unopisa uswa hwakaoma,
sehondo ine simba yabuda kundorwa.
 
Pakungodziona chete, ndudzi dzose dzinotya;
vose vanocheneruka kumeso.
Dzinorwisa samauto;
dzinokwira madziro savarwi.
Dzinofamba dzakateverana
dzisingatsauki padzakananga napo.
Hadzikwikwidzani pakufamba,
imwe neimwe inofamba yakananga mberi.
Dzinopwanya nzvimbo dzakadzivirirwa sei,
pasina chinodzikanganisa pakurongana kwadzo.
Dzinobhururuka dzakananga muguta;
dzinomhanya pamusoro porusvingo.
Dzinokwira dzichipinda mudzimba;
dzinopinda napamawindo sembavha.
 
10 Pamberi padzo, pasi panozunguzika,
denga rinodedera,
zuva nomwedzi zvinosviba
uye nyeredzi dzinodzima.
11 Jehovha anoomba,
ari pamberi pehondo yake;
mauto ake haaverengeki,
uye vane simba ndivo vanoteerera kurayira kwake.
Zuva raJehovha iguru;
rinotyisa kwazvo.
Ndiani angamira musi waro?
Bvarurai Mwoyo Yenyu
12 Jehovha anoti, “Kunyange zvino,
tendeukirai kwandiri nemwoyo yenyu yose
muchitsanya, muchichema uye muchiungudza.”
 
13 Bvarurai mwoyo yenyu,
kwete nguo dzenyu.
Dzokerai kuna Jehovha Mwari wenyu,
iye ane nyasha uye ane tsitsi,
anononoka kutsamwa
uye ane rudo rukuru;
anozvidzora pakutumira vanhu njodzi.
14 Ndiani anoziva? Anogona kupinduka agonzwa tsitsi,
uye agokusiyirai mukomborero
wezvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa
zvinoitirwa Jehovha Mwari wenyu.
 
15 Ridzai hwamanda muZioni.
Sarudzai zuva rokutsanya kutsvene,
danai vanhu kuungano tsvene.
16 Unganidzai vanhu,
munatse ungano iyi,
unganidzai pamwe chete vakuru,
unganidzai vana,
vachiri kuyamwa.
Vachangowanana, murume ngaabude muimba yake
nomwenga muimba yake.
17 Vaprista vanoshumira pamberi paJehovha
ngavacheme vari pakati pebiravira retemberi nearitari.
Ngavati, “Musaparadza vanhu venyu, imi Jehovha.
Musaita kuti nhaka yenyu ive chinhu chinosekwa,
chirevo pakati pendudzi.
Vachataurirei pakati pamarudzi vachiti,
‘Mwari wavo aripiko?’ ”
Mhinduro yaJehovha
18 Ipapo Jehovha achava negodo pamusoro penyika yake,
uye achanzwira vanhu vake tsitsi.
19 Jehovha achavapindura achiti,
“Ndava kukutumirai zviyo, waini itsva namafuta,
zvakawanda zvokuti muchaguta kwazvo,
handichazokuitai zvakare chiseko chendudzi.
 
20 “Ndichadzingira kure nemi hondo yokumusoro,
ndichaidzingira kunyika yakaoma isina chibereko,
dziya dziri mberi dzichawira mugungwa rokumabvazuva,
uye dziya dziri shure dzichawira mugungwa rokumadokero.
Uye kunhuhwa kwadzo kuchakwira;
kunhuhwa kwadzo kukuru kuchakwira.”
 
Zvirokwazvo akaita zvinhu zvikuru.
21 Usatya iwe nyika;
fara zvako upembere.
Zvirokwazvo Jehovha aita zvinhu zvikuru.
22 Musatya, imi mhuka dzesango,
nokuti mafuro ava kusvibira.
Miti yava kubereka michero yayo; mionde nemizambiringa zvichabereka kwazvo.
23 Farai imi vanhu veZioni,
farai muna Jehovha Mwari wenyu,
nokuti akakupai mvura yokupedzisira mukururama.
Anokupai mvura yakawanda,
yokupedzisira neyebumharutsva sakare.
24 Mapuriro enyu achazara nezviyo,
uye zvisviniro zvenyu zvichazara newaini itsva namafuta.
 
25 “Ndichakuripirai makore ose amakadyirwa nemhashu:
mhashu dzemagutaguta nedzegwatakwata,
dzimwe mhashu nefararira remhashu;
hondo yangu huru yandinotuma pakati penyu.
26 Muchava nezvokudya zvakawanda kusvikira maguta,
ipapo mucharumbidza zita raJehovha Mwari wenyu,
uyo akakuitirai zvishamiso;
vanhu vangu havachazonyadziswi zvakare.
27 Ipapo muchazoziva kuti ndirimo muIsraeri,
uye kuti ndini Jehovha Mwari wenyu,
uyewo kuti hakuna mumwe;
vanhu vangu havachazonyadziswi zvakare.
Zuva raJehovha
28 “Uye mushure maizvozvo,
ndichadururira Mweya wangu pamusoro pavanhu vose.
Vanakomana navanasikana venyu vachaprofita,
vatana venyu vacharota hope,
majaya enyu achaona zviratidzo.
29 Kunyange pamusoro pavaranda vangu, zvose varume navakadzi,
ndichadururira Mweya wangu mumazuva iwayo.
30 Ndicharatidza zvishamiso kudenga
napanyika,
ropa nomoto neshongwe dzoutsi.
31 Zuva richashanduka rigova rima,
uye mwedzi uchava ropa,
zuva guru raJehovha rinotyisa risati rasvika.
32 Uye ani naani anodana
kuzita raJehovha achaponeswa;
nokuti paGomo reZioni nomuJerusarema
muchava noruponeso,
sezvakataurwa naJehovha,
pakati pavanopunyuka,
avo vachadanwa naJehovha.