JOERE
1
Shoko raJehovha rakasvika kuna Joere mwanakomana waPetueri.
Dambudziko reMhashu
Inzwai izvi, imi vakuru;
teererai imi mose vagere munyika.
Ko, zvakadai zvakamboitika here pamazuva enyu,
kana pamazuva amadzitateguru enyu?
Zvinhu izvi zviudzei vana venyu,
uye vana venyu ngavaudzewo vana vavo,
vana vavowo vaudze chizvarwa chinotevera.
Zvakasiyiwa nefararira remhashu
zvakadyiwa nemhashu dzemagutaguta;
zvakasiyiwa nemhashu dzemagutaguta
zvakadyiwa negwatagwata;
zvakasiyiwa negwatagwata zvakadyiwa nedzimwewo mhashu.
Mukai imi zvidhakwa, chemai!
Ungudzai imi vanwi vewaini;
ungudzai nokuda kwewaini itsva,
nokuti yabvutwa pamiromo yenyu.
Rudzi rwarwisa nyika yangu,
rune simba uye haruverengeki;
rune meno eshumba nameno makuru eshumbakadzi.
Rwakaparadza mizambiringa yangu yose,
rukaparadza mionde yangu yose.
Rwakasvuura makwati ose emiti,
rukaarasira kure,
ndokusiya mapazi awo achena kuti mbe-e.
 
Chemai semhandara yakapfeka masaga
inochema murume wouduku hwayo.
Zvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa
hazvichawanikwi muimba yaJehovha.
Vaprista vari kuungudza, vaya vanoshumira pamberi paJehovha.
10 Minda yaparadzwa,
pasi paoma;
zviyo zvaparadzwa,
waini itsva yapera,
mafuta hakuchina.
11 Pererwai nezano, imi varimi,
ungudzai, imi varimi vemizambiringa,
chemerai gorosi nebhari,
nokuti mukohwo weminda waparadzwa.
12 Muzambiringa waoma,
uye muonde wasvava;
mutamba, muchindwi nomuti womuapuro,
miti yose yesango, yaoma.
Zvirokwazvo, mufaro wavanhu
wasvava.
Vanhu vanonzi vatendeuke
13 Pfekai masaga mucheme, imi vaprista;
ungudzai, imi munoshanda paaritari.
Uyai muvate usiku hwose makapfeka masaga,
imi munoshumira pamberi paMwari wangu;
nokuti zvipiriso zvezviyo nezvokunwa
zvadziviswa muimba yaMwari wenyu.
14 Tsaurai nguva yokutsanya kutsvene;
danai vanhu kuungano tsvene.
Kokai vakuru
navose vanogara munyika
kuimba yaJehovha Mwari wedu,
mugodana kuna Jehovha.
 
15 Rinotyisa sei zuva iro!
Nokuti zuva raJehovha rava pedyo;
richauya sokuparadza kunobva kuna Wamasimba Ose.
 
16 Ko, zvokudya hazvina kubviswa here
pamberi pedu chaipo,
mufaro nokufarisisa
kubva mumba maMwari wedu?
17 Mbeu dzinopetana
dzisati dzamera pasi pevhu,
matura aparara,
tsapi dzaputswa
nokuti hapachina zviyo.
18 Mombe dzinogomera sei!
Matanga emombe odzungaira
nokuda kwokushayiwa mafuro.
Kunyange mapoka amakwai ari kutambudzika.
 
19 Haiwa Jehovha, ndinodana kwamuri,
nokuti moto wapisa mafuro,
uye mirazvo yemoto yapisa miti yose musango.
20 Kunyange mhuka dzesango dzinochema kwamuri;
nokuti hova dzesango dzapwa
uye moto waparadza mafuro ose.