28
Zvipiriso zvamazuva ose
Jehovha akati kuna Mozisi, “Upe murayiro uyu kuvaIsraeri, uti kwavari, ‘Onai kuti maisa pamberi pangu panguva yakatarwa, zvokudya zvangu zvezvipiriso zvinoitwa nomoto, sezvinonhuhwira zvinondifadza.’ Uti kwavari: ‘Ichi ndicho chipiriso chakaitwa nomoto chamunofanira kupa kuna Jehovha: makwayana maviri egore rimwe chete asina kuremara, sechipiriso chinopiswa chamazuva ose, zuva rimwe nerimwe. Ugadzire gwayana rimwe chete mangwanani uye rimwe racho panguva yamadekwana, pamwe chete nechipiriso chezviyo, chegumi cheefa* youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nechikamu chimwe chete muzvina chehini yamafuta omuorivhi akasvinwa. Ichi ndicho chipiriso chinopiswa chamazuva ose chakatarwa paGomo reSinai kuti chive munhuwi unonhuhwira zvinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. Panobayirwa gwayana rimwe nerimwe, chipiriso chokunwa chinopiwa panguva imwe cheteyo chinofanira kuva chikamu chimwe chete muzvina chehini, chezvinonhuhwira zvakaviriswa. Udurure chipiriso chinonwiwa kuna Jehovha panzvimbo tsvene. Ugadzire gwayana rechipiri panguva dzamadekwana, pamwe chete nechipiriso chezviyo nechipiriso chinonwiwa, zvakafanana nezvamangwanani. Ichi ndicho chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha.
Zvipiriso zveSabata
“ ‘Nomusi weSabata, muite chipiriso chamakwayana maviri egore rimwe chete asina kuremara, pamwe chete nechipiriso chacho chokunwa, uye nechipiriso chezviyo chezvegumi zviviri zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta. 10 Ichi ndicho chipiriso chinopiswa cheSabata rimwe nerimwe, pamusoro pechipiriso chinopiswa chamazuva ose uye nechipiriso chacho chinonwiwa.
Zvipiriso zvomwedzi nomwedzi
11 “ ‘Nomusi wokutanga womwedzi woga woga, mupe kuna Jehovha chipiriso chehando duku mbiri, gondobwe rimwe chete namakwayana makono manomwe egore rimwe chete, ose asina kuremara. 12 Pamwe chete nehando imwe neimwe, panofanira kuva nechipiriso chezviyo chezvegumi zviviri zveefa§ yeupfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta; 13 uye negwayana rimwe nerimwe, chipiriso chezviyo chechegumi cheefa yeupfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta. Izvi ndizvo zvinoitwa pachipiriso chinopiswa, chinonhuhwira zvinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. 14 Pamwe chete nehando imwe neimwe, panofanira kuva nechipiriso chokunwa chehafu yehini yewaini; pamwe chete negondobwe, chikamu chimwe chete kubva muzvitatu chehini*; uye pamwe chete negwayana rimwe nerimwe, chikamu chimwe chete muzvina chehini. Ichi ndicho chipiriso chinopiswa chomwedzi mumwe nomumwe chinofanira kupiwa pakugara kwomwedzi mumwe nomumwe pagore. 15 Pamusoro pechipiriso chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chokunwa, nhongo imwe chete inofanira kupiwa sechipiriso chechivi kuna Jehovha.
Pasika
16 “ ‘Pazuva regumi namana romwedzi wokutanga munofanira kuita Pasika yaJehovha. 17 Pazuva regumi namana romwedzi uyu, munofanira kuita mutambo; kwamazuva manomwe munofanira kudya chingwa chisina mbiriso. 18 Pazuva rokutanga munofanira kuita ungano tsvene uye murege kuita mabasa amazuva ose. 19 Mupe kuna Jehovha chipiriso chakaitwa nomoto, chipiriso chinopiswa chehando duku mbiri, gondobwe rimwe chete uye makwayana makono manomwe ane gore rimwe chete, ose asina kuremara. 20 Pamwe chete nehando imwe neimwe mugadzire chipiriso chezviyo, chezvikamu zvitatu mugumi zveefa yeupfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta; pamwe chete negondobwe, zvikamu zviviri mugumi; 21 uye pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi; 22 uisewo nhongo imwe chete yembudzi sechipiriso chechivi kuti iwe uzviyananisire. 23 Mugadzire izvi pamwe chete nezvipiriso zvinopiswa zvamangwanani zvamazuva ose. 24 Nenzira iyi mugadzire zvokudya zvezvipiriso zvinoitwa nomoto mazuva ose kwamazuva manomwe sezvinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha; zvinofanira kugadzirwa pamwe chete nezvipiriso zvinopiswa nechipiriso chacho chinonwiwa. 25 Pazuva rechinomwe muite ungano tsvene uye murege kuita basa ramazuva ose.
Mutambo waMavhiki
26 “ ‘Pazuva rezvibereko zvokutanga, pamunopa zvipiriso zvenyu kuna Jehovha, zvezvitsva zvezviyo panguva yoMutambo weMavhiki, muite ungano tsvene uye murege kuita basa ramazuva ose. 27 Mupe chipiriso chinopiswa chehando duku mbiri, gondobwe rimwe chete uye makwayana manomwe makono egore rimwe chete, chive chipiriso chinofadza kuna Jehovha. 28 Pamwe chete nehando imwe neimwe, panofanira kuva nechipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi zveefa yeupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta; pamwe chete negondobwe, zvikamu zviviri mugumi; 29 uye nerimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi. 30 Muisewo nhongo imwe chete kuti muzviyananisire. 31 Mugadzire izvi pamwe chete nezvipiriso zvazvo zvokunwa, pamusoro pezvipiriso zvinopiswa zvamazuva ose uye nechipiriso chacho chezviyo. Munofanira kuva nechokwadi kuti zvipfuwo zvacho hazvina kuremara.
* 28:5 28:5 marita angaita 2, uyewo nomundima 13, 21 ne29 28:5 28:5 rita uyewo nomundima 7 ne14 28:9 28:9 marita angaita 4.5, uyewo nomundima 12, 20, 28 § 28:12 28:12 marita angaita 6.5, uyewo nomundima 20 ne28 * 28:14 28:14 marita angaita 2 28:14 28:14 marita angaita 1.2